Between Competition and Mutual Aid: Locating African Values and Philosophy in Mass Food Markets
摘要
Abstract in Shona Ruzhinji rwevagari vemumaguta makuru enyika dzemuAfrica rwunowana chikafu mumisika mikuru inodaidzwa nemazita ekuti misika yevanhu kana kuti misika yemumatunhu. Misika iyi inoratidza chimiro chevanhu vatema uye zvavanokoshesa kana dai ichitarisirwa pasi nevanotsvakurudza ruzivo, nevanopa dzimari uye nehurumende. Nyangwe zvazvo misika iyi ichionekwa sekunge yenhando, inobatsira zvikuru munyaya dzehupfumi nemagariro evanhu. Kutarisirwa pasi kwemisika iyi kunobva mumaonero evekunze ayo anoshandiswa nevanhu vepamusoro muAfrica zvichienderana nemadzidzisirwo avakaita muzvikoro anova asingaoni hupfumi huri mumisika iyi nevanhu vemuAfrica. Nokudaro, chinyorwa chino chinovavarira kuratidza hudzamu hwezvinokosheswa nevanhu vemuAfrica kuburikidza nemisika mikuru inopa vanhu zvekudya mumaguta makuru. Humbowo hunoshandiswa muchinyorwa chino hunobva muwongororo yakaitwa mumisika mitanhatu yenyika nhanhatu dzemuAfrica dzinoti: Senegal, Democratic Republic of Congo, Uganda, Rwanda, Tunisia neZimbabwe. Wongororo iyoyo yakaburitsa zvinhu zvina zvinoratidza hudzamu hwemamiriro akaita misika mikuru inopa vanhu vemumaguta zvekudya. Chekutanga chakabuda ndechekuti misika iyi inozivikanwa nezvikafu zvakasiyana-siyana uye zvinogona kutengwa nemunhu wose zvisati zvashata. Chechipiri, zvirinyore kuti vanoda kuita mabhizimisi mumisika iyi vapinde kana kubuda maererano nekugona kwavo. Chechitatu, misika iyi inosimbiswa nekuvimbana uye hukama pakati pevanoshandamo uye vanounza chikafu. Chechina, misika iyi inozivikanwa nekugovanwa kunoitwa ruzivo pachena nevanhu vazhinji. Muchinyorwa chino, tinoratidza zvakare kuti hudzamu hwemisika iyi hunobva muhunhu hwevanhu vatema nezvavanokoshesa kupfuura mari. Zvakakosha izvozvo zvinosanganisira kugarisana zvakanaka, kubatsira, kuvimbana, mushandirapamwe uye kusasarudzana. Zvose izvi hazvifaniri kutarisirwa pasi asi zvinofanira kuonekwa sehwaro hwekuzviriritira kwevanhu vatema uye zvinoratidza kukosha kwaita mamiriro ezvekudya zvose zvedunhu reAfrica. Abstract in English The vast majority of people in African capital cities depend on large markets, called mass markets or territorial markets, for their food supply. These mass markets have characteristics that are informed by African values which have largely been ignored by researchers, funders and African governments because they have been seen as part of the ‘informal’ sector, despite their considerable economic and social significance. However, the framing of ‘informal’—as opposed to ‘formal’—is largely based on a neoliberal, Eurocentric notion of markets which does not do justice to the richness of these markets and people. Therefore, this chapter aims to identify African values in mass food markets, based on empirical findings in six African countries: Senegal, Democratic Republic of Congo, Uganda, Rwanda, Tunisia, and Zimbabwe. The findings revealed four characteristics of mass food markets: (1) large diversity of fresh and affordable food, (2) relatively easy access and exit for farmers, traders, and consumers, (3) trust and relationships between people, and (4) communal and open knowledge exchange. Subsequently, we showed that these characteristics are underpinned by African values, such as harmonious social relations, mutual aid, trust, solidarity, and inclusivity. Hence, these characteristics and values should not be considered ‘informal’, but are drivers of home-grown solutions that are integral components of African food systems.